Mabasa 1
Acts 1 · 26 verses
1Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu,
2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene vaapostora vaakanga asanangura;
3vaakazviratidzavo kwavari nezviratidzo zvizhinji, zvisingagoni kurambwa ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;
4akavaraira, avungana navo, kuti varege kubva Jerusarema asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;
5nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
6Zvino ivo, vakati vavungana, vakamubvunza, vachiti: Ishe, modzosera vushe kunavaIsraeri nenguva ino here?
7Akati kwavari: Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.
8Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.
9Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona,
10Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamire navo vakafuka nguvo chena;
11ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga.
12Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, nhambo yerwendo rwesabata.
13Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petro, naJohane, naJakobho, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobho, mwanakomana waAerfeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho.
14Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe pakunyengetera, nokukumbira vanavakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun’una vake.
15Namazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (vanhu vazhinji vaivapo pamwe chete, vanenge zana namakumi maviri), akati:
16Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.
17Nokuti wakanga averengwa pamwe chete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.
18(Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, vura bwake bwukabuda bwose.
19Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwavo, ndokuti: Munda weropa.)
20Nokuti mubhuku yaMapisarema makanyorwa, zvichinzi: Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu unogaramo; Vuye: Mumwe ngaapinde pavutariri bwake.
21Zvino pakati pavarume vaivungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu,
22kutanga pakubhabhatidza kwaJohane, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu.
23Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa vo Justo, naMatia.
24Vakanyengetera, vachiti: Imi Ishe, munoziva moyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakasanangura kunaivava vaviri ndoupi;
25kuti apiwe nzvimbo pabasa iri novuapostora ubwu, bwaakarashikirwa nabwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake.
26Zvino vakavakandira mijenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwe chete navaapostora vanegumi nomumwe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.