Johani 21
John 21 · 25 verses
1Shure kwaizvozvo Jesu wakazviratidza zve kuvadzidzi vake pagungwa reTiberiasi; akazviratidza kudai:
2VanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanieri, weKana yeGarirea, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vavadzidzi vake, vakanga vari pamwe chete.
3Simoni Petro akati kwavari: Ndondobata hove. Vakati kwaari: Nesu tinoenda vo newe. Vakabuda, vakapinda mugwa; pakarepo asi vusiku ubwo havana-kubata chinhu.
4Zvino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.
5Zvino Jesu akati kwavari: Vana, munechisevo here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
6Akati kwavari: Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo vakakanda vakasagona zvino kurukweva nokuwanda kwehove.
7Zvino mudzidzi uya, waidikanwa naJesu, akati kunaPetro NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake, nokuti wakanga asina, akazviwisira mugungwa.
8Asi vamwe vadzidzi vakavuya nekagwa, vachikweva rutava runehove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubiti anenge mazana maviri.*
9Zvino vakati vasvika panyika, vakavona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.
10Jesu akati kwavari: Vuyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.
11Simoni akakwira mugwa, akakwevera rutava panyika, rwakanga ruzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai, rutava haruna kubvaruka.
12Jesu akati kwavari: Vuyai musvusvure. Kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe.
13Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa akavapa, nehove vo saizvozvo.
14Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.
15Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mwanakomana waJona, unorudo neni kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana angu,
16Akati kwaaari zve rwechipiri:Simoni mwanakomana waJona unorudo neni here? akati kwaari Hongu,, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chengeta makwai angu.
17Akati kwaari rwechitatu: Simoni, mwanakomana waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo, nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.
18Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri jaya, wa izvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achikuisa kwausingadi.
19Wakareva izvozvo, achifananidzira kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino wakati areva izvozvo, akati kwaari: Nditevere.
20Petro akatendevuka, akavona uya mudzidzi, waidikanwa naJesu, achitevera; ndiye vo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro, achiti: Ishe, ndianiko uchakupandukirai?
21Zvino Petro wakati achimuvona, akati kunaJesu: Ishe ko uyu uchaitweiko?
22Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.
23Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe?
24Ndiyoyu mudzidzi unopupura izvozvi, wakazvinyora vo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwazvokwadi.
25Zvimwe zvizhinji zviri’ko, zvakaitwa vo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.