Mabasa 26
Acts 26 · 32 verses
1Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruvoko rwake, akazvidavirira, achiti;
2Mambo Agripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;
3zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomoyo murefu.
4VaJudha vose vanoziva mufambire wangu, kubva pavuduku bwangu, waiva pakati porudzi rwangu napaJerusarema kubva pakutanga;
5vakandiziva kare kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarise, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama.
6Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari.
7Marudzi edu anegumi namaviri anoshumira Mwari vusiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho.Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha.
8Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari ungamutsa vakafa?
9Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
10Ndakazviita vo paJerusarema, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navaPirisita vakuru; vuye kana vaivurawa, neni ndaibvumiravo.
11Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vamhure Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.
12Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamaseko nesimba vuye nomurairo wavaPirisita vakuru,
13zvino, mambo masikati makuru, ndiri munzira, ndikavona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.
14Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru: Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.
15Ndakati: Ndimi aniko, Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza.
16Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakavona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
17ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari;
18kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kunaMwari. Kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.
19Naizvozvo, mambo Agripa handina kuramba kuterera chiratidzo chokudenga;
20asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamaseko, nokunaveJerusarema, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendevuke, varingire kunaMwari, vaite mabasa akafanira kutendevuka.
21Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundivuraya.
22Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika;
23zvokuti Kristu wakafanira kutambudzika, vuye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.
24Zvino wakati achizvidavirira saizvozvo Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.
25Asi Pauro akati: Handipengi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi novuchenjeri.
26Nokuti mambo wandinotaura naye ndisingatyi, unoziva izvozvi, nokuti ndinoziva kuti hapane chinhu chaizvozvo chakavanzika kwaari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.
27Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
28Agripa akati kunaPauro: Unenge unoda kundiita mukristu nenguva duku.
29Pauro akati: ndinonyengetera kunaMwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasinezvisungo izvi.
30Ipapo mambo akasimuka, nomubati naBerinike, navakanga vagere navo;
31vakabuda vakataurirana, vakati: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.
32Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari ungadai asunungurwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.