Bhaibheri

Mabasa 25

Acts 25 · 27 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Festo wakati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuvura, akakwira Jerusarema, achibva Kesaria.

2vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamhangarira Pauro kwaari, vakamunyengetera,

3vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusarema, kuti vamuvandire vamuvuraye panzira.

4Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, vuye kuti iye amene wakanga okurumidza kuenda’ko.

5Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.

6Akagara pakati pavo mazuva asingapfuvuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akaraira kuti vavuye naPauro.

7Wakati asvika, vaJudha vakabva Jerusarema, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.

8Zvino Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana tembere, kana Kesari.

9Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira Jerusarema, undotongwa’ko pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?

10Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemi vo zvakanaka.

11Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari.

12Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Wazviisa kunaKesari; kunaKesari uchaenda.

13Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, mambo Agripa naBernike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Festo.

14Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa;

15ndichiri paJerusarema, vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamumhangarira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.

16Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa.

17Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo.

18Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;

19asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, nomumwe Jesu wakanga afa, wainzi naPauro mupenyu.

20Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.

21Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.

22Ipapo Agripa akati kunaFesto; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.

23Fume mangwana Agripa wakati asvika naBernike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto.

24Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu.

25Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, vuye zvaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.

26Asi handineshoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora.

27Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswi vo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.