Mabasa 3
Acts 3 · 26 verses
1Zvino Petro naJohane vakakwira kutembere nenguva yokunyengetera yakanga iri nguva yepfumbamwe.
2Zvino mumwe murume, waikamhina kubva padumbu ramai vake, wakanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.
3Iye wakati achivona Petro naJohane voda kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe chipo.
4Zvino Petro akamutarisisa, naJohane vo, akati: Titarire.
5Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo.
6Asi Petro akati: Sirivheri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.
7Akamubata ruvoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba.
8Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari.
9Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari.
10Vakamuziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa.
11Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira pana Petro naJohane, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
12Zvino Petro wakati achivona izvozvo, akapindura vanhu, akati: Varume vaIsraeri, mashamiswa neiko pamusoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?
13Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuvatongi mukamuramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe.
14Asi imi makaramba uyo Mutsvene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi:
15mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye, wakamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu.
16Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunovona, nowamunoziva; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
17Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyu vo;
18asi saizvozvo Mwari wakazadzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake uchazotambudzika.
19Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kunaShe, dzisvike;
20Uchatuma Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare.
21iye unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. Kwenyika.
22Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; muchamuterera pazvose, zvaanotaura kwamuri.
23Zvino mumwe nomumwe kana asingatereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.
24Navaporofita vose kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofita zvinhu izvozvi zvose.
25Imi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kunaAbhurahamu: Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.
26Mwari wakatanga kukumutsirai imi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.