Mabasa 4
Acts 4 · 37 verses
1Vakati vachataura navanhu, vaPirisita nomukuru wetembere navaSajhusi vakavuya kwavari,
2vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa munaJesu.
3Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana.
4Asi vazhinji kunavakanzwa shoko vakatenda; varume vanosvika zvuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
5Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakavungana paJerusarema;
6naAnasi, muPirisita mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuPirisita mukuru vakavungana vose paJesursarema.
7vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti: Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?
8Zvino Petro, azere noMweya Mutsvene, akati kwavari: Imi vabati vavanhu,navakuru vavaIsraeri.
9kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo;
10muzive imi mose, navanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
11Iri ndiro ibwe rakarashwa nemi vavaki, rakazova musoro wekona.
12Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.
13Zvino vakati vachivona kusatya kwaPetro naJohane, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.
14Vakavona vo munhu, wakanga aporeswa, amire navo, vakashaiwa chavangapindura nacho.
15Zvino vakati vavaraira kuti vabude pavungano, vakarangana pakati pavo,
16vachiti: Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusarema vavona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu.
17Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichiparadzirwa pakati pavanhu.
18Vakavadana, vakavaraira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu.
19Asi Petro naJohane vakapindura, vakati kwavari: Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titerere imi kupfuvura Mwari.
20Nokuti hatigoni isu kurega kutaura zvatakavona, nezvatakanzwa.
21Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
22nokuti munhu wakanga aitirwa chiratidzo ichi wakanga anamakore makumi mana anemiravudzo.
23Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovavudza zvose zvavakanga vavudzwa navaPirisita vakuru navakuru.
24Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kunaMwari nomoyo mumwe, vachiti: Tenzi, ndimi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;
25makareva noMweya Mutsvene, nomuromo wababa vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti: Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
26Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakavungana pamwe chete, Kurwa naShe naKristu wake.
27Nokuti zvirokwazvo Herodhe, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsraeri vakavunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza;
28kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruvoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.
29Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu varingatongotyi,
30Mutambanudze ruvoko rwenyu kuzoporesa; neziratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.
31Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
32Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
33Vaapostora vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.
34Nokuti pakanga pasina waishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakate ngeswa.
35vakazviisa pamberi pavaapostora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo.
36NaJosefa, wakatumidzwa navaapostora achinzi Bharnabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake,
37waiva nomunda; akautengesa, akavuya nemari akaiisa pamberi pavaapostora.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.