Bhaibheri

Mako 1

Mark 1 · 45 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Kutanga kweEvhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

2Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.

3Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.

4Johane wakavuya achibhabhatidza murenje. Achiparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka vakanganwirwe zvivi.

5Nyika yose yeJudhea naveJerusarema vose vakabudira kwaari. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.

6Johane wakanga akapfeka nguvo yamakushe ekamera nebhanire reganda muchivuno chake. Waidya mhashu novuchi bwesango.

7Akaparidza achiti, shure kwangu kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure rukanda rweshangu dzake.

8Ini ndakakubhabhatidzai nemvura asi Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.

9Namazuva iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabhabhatidzwa naJohane muJoridhani.

10Pakarepo achibuda mumvura wakavona denga rakazarurwa noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva.

11Inzwi rikabva kudenga richiti, Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofarira.

12Pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje.

13Akava murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani. Wakanga ari kuzvikara vatumwa vakamushumira.

14Johane wakati asungwa, Jesu akasvika Garirea achiparidza Evhangeri yovushe bwaMwari.

15achiti, nguva yazadziswa, vushe bwaMwari bwaswedera pedo. Tendevukai mutende Evhangeri.

16Wakati achifamba pagungwa reGarirea, akavona Simoni naAndrea munun’una waSimoni vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.

17Jesu akati kwavari: Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.

18Vakasiya vutava bwavo pakarepo, vakamutevera.

19Wakati apfuvura zvishoma akavona Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohane munun’una wake vachigadzira vutava mugwa.

20Akavadana pakarepo vakasiya baba vavo Zebhedhi mugwa navaranda, vakamutevera.

21Vakapinda Kapernaume pakarepo nomusi wesabata, akapinda musinagoge akadzidzisa.

22Vakashamiswa nedzidziso yake nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.

23Zvino musinagoge ravo makanga munomunhu wakanga anomweya wetsvina. Wakadanidzira

24achiti, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani, muri Mutsvene waMwari.

25Zvino Jesu akamuraira akati, nyarara ubude kwaari!

26Mweya wetsvina ukamubvundisa, ndokudanidzira nenzwi guru, ndokubuda kwaari.

27Vakashamiswa vose,zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo,vachiti, Chinyiko ichi? dzidziso iyi itswa ndeyeiko?nokuti une simba rokuraira kunyange,mweya yakaipa,huye inomuterera.

28Pakarepo mukurumbira wake ukanzwikwa panyika yose yakapoteredza Garirea.

29Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobho naJohane vanavo.

30Mai vomukadzi waSimoni vakanga vavete vachirwara nefivhiri. Pakarepo vakamuvudza izvozvo.

31Akaenda akavabata noruvoko, akavamutsa. Fivhiri ikavarega. Vakavashandira.

32Madekwana zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa navakanga vakabatwa nomweya yakaipa.

33Guta rose rakanga ravungana pamukova.

34Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi akasiyana -siyana ezvirwere. Akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.

35Mangwanani kuchinerima, wakamuka akabuda akaenda kunzvimbo murenje,akandonyengeterapo.

36Simoni navakanga vanaye vakamutevera.

37Vakamuwana vakati kwaari, vose vanokutsvakai.

38Akati kwavari, ngatiende kumwe kumisha iri pedo, kuti tindoparidza ikokovo nokuti ndizvo zvandakavuyira.

39Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo paGarirea rose achibudisa mweya yakaipa.

40Zvino munhu unamaperembudzi akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake akati kwaari, kana muchida munogona kundinatsa.

41Jesu akamunzwira ngoni, akatambaunudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, ndinoda, chinatswa.

42Pakarepo achangotaura maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.

43Zvino akamuraira kwazvo, akamuendisa pakarepo.

44Akati kwaari, chenjera kuti urege kuvudza munhu chinhu asi enda uzviratidze kumuPirisita ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari.

45Asi iye wakabuda akatanga kuzvivudza vanhu vazhinji nokuparidza shoko iro nokudaro Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena asi wakanga ari kunze panzvimbo murenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.