Mateu 28
Matthew 28 · 20 verses
1(Mar. 16. 1-8; Ruka 24. 1-49; Joh. 20.1-23.) Nokupera kwesabata kwoedza, nomusi wokutanga kwevhiki. Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona bwiro.
2Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika nokuti mutumwa waShe wakaburuka kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe ndokugara pamusoro paro.
3Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
4Zvino varindi vakadedera vachimutya vakaita savakafa.
5Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi, musatya imi nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga akaroverwa pamuchinjikwa.
6Haapo pano nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.
7Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa. Tarirai unokutungamirirai Garirea, muchando muvonapo. Tarirai ndakuvudzai.
8Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nokufara zvikuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.
9Zvino vakati vachienda kundovudza vadzidzi vake, tarira Jesu wakasongana navo akati, Kwaziwai! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10Zvino Jesu akati kwavari, musatya endai mundovudza hama dzangu kuti vaende Garirea vagondivonako.
11Zvino vachiri munzira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakavudza vaPirisita vakuru zvose zvakaitwa.
12Vakati vavungana navakuru vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,
13vachiti taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.
14Kana zvikanzwikwa nomubati tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.
15Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
16Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Garirea, kugomo ravakarairwa naJesu.
17Vakati vachimuvona, vakamunamata asi vamwe vakanyunyuta.
18Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati, Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika.
19Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene.
20Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi. Tarirai ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.