Bhaibheri

Mapisarema 102

Psalms 102 · 28 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.

2Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.

3Nokuti mazuva angu anopera soutsi, Mapfupa angu anotsva sechitsa.

4moyo wangu warohwa souswa, waoma; Nokuti ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.

5Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu Mapfupa angu anonamatira nyama yangu.

6Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.

7Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.

8Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.

9Nokuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi.

10Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; Nokuti makandisimudza mukandirasha.

11Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.

12Asi imi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.

13Imi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni ngoni; Nokuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.

14Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.

15Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;

16Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;

17Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.

18Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.

19Nokuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;

20Kuti anzwe kugomera kwomusungwa; Kuti asunungure vana vorufu;

21Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;

22Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.

23Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.

24Ndakati, Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.

25Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.

26Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;

27Asi imi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.

28Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.