Bhaibheri

Mapisarema 101

Psalms 101 · 8 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.

2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama.

3Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.

4moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.

5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.

6meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.

7Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.

8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.