Mapisarema 112
Psalms 112 · 10 verses
1Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
2Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
3fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
5Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
6Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
8moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
9Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kwowakaipa kuchaparara.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.