Bhaibheri

Mapisarema 113

Psalms 113 · 9 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.

2Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga-denga.

5Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,

6Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?

7Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;

8Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.

9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.