Bhaibheri

Mapisarema 121

Psalms 121 · 8 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?

2Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.

3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.

4Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.

5Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.

6Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.

7Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.

8Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.