Bhaibheri

Mapisarema 122

Psalms 122 · 9 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.

2Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu;

3Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;

4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.

5Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.

7Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.

8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.

9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.