Mapisarema 125
Psalms 125 · 5 verses
NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app
1Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZiyoni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi.
2Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
3Nokuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa.
4Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane moyo yakarurama.
5Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.