Bhaibheri

Mapisarema 126

Psalms 126 · 6 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope.

2Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;

3Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara.

4Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi.

5Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.

6Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.