Mapisarema 129
Psalms 129 · 8 verses
NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app
1Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino;
2Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda.
3Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu.
4Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa.
5Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni.
6Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura;
7Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.
8Navanopfuura havangati, Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.