Mapisarema 130
Psalms 130 · 8 verses
NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app
1Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.
2Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.
3Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?
4Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.
5Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.
6Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.
7Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.
8Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.