Bhaibheri

Mapisarema 142

Psalms 142 · 7 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.

2Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.

3Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.

4Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.

5Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.

6Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba.

7Budisai mweya wangu patorongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.