Mapisarema 143
Psalms 143 · 12 verses
1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
2Regai kutonga muranda wenyu; Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.
3Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.
4Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.
5Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.
6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.
7Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.
8Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
9Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemi.
10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,
11Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
12Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.