Bhaibheri

Mapisarema 147

Psalms 147 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hareruya. Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.

2Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.

3Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.

4Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.

5Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.

6Jehovha anobatsira vanyoro;

7Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;

8Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.

9Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.

10Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.

11Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake.

12Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.

13Nokuti wakasimbisa mazariro amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.

14Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.

15Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.

16Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota.

17Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?

18Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.

19Anozivisa Jakobho shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.

20Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.