Bhaibheri

Mapisarema 148

Psalms 148 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.

2Murumbidzei imi vatumwa vake vose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose.

3Murumbidzei imi zuva Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovhenekera.

4Murumbidzei imi kudenga kwokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kwokudenga-denga.

5Ngazvirumbidze zita raJehovha; Nokuti iye akaraira, zvikasikwa.

6Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.

7Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;

8Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva;

9Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose;

10Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;

11Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi;

12Majaya nemhandara; Vatana navana;

13Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.

14Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.