Mapisarema 30
Psalms 30 · 12 verses
1Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu.
2Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa.
3Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.
4Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.
5Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
6Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.
7Imi Jehovha, nengoni dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
8Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;
9Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here?
10Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
11Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;
12Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.