Bhaibheri

Mapisarema 31

Psalms 31 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.

2Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.

3Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.

4Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu.

5Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.

6Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha.

7Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu;

8Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo.

10Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.

11Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza.

12Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika.

13Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu.

14Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, Ndimi Mwari wangu.

15Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.

16Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu.

17Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.

18Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!

19Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu;

20Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi.

21Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba.

22Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, Ndabviswa pamberi penyu; Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.

23Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.

24Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.