Bhaibheri

Mapisarema 33

Psalms 33 · 22 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Farisai munaJehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.

2Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi.

3Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.

4Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.

5Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.

6Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake.

7Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.

8Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.

9Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.

10Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.

11Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.

12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.

13Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;

14Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.

15Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose

16Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.

17Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.

18Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;

19Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.

20Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.

21Nokuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.

22Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.