Mapisarema 32
Psalms 32 · 11 verses
1Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake
2Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.
3Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose.
4Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.
5Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati, ndicharevurura kudarika kwangu kuna Jehovha; Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.
6Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
7Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.
8Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.
9Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
10Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.
11Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.