Bhaibheri

Mapisarema 36

Psalms 36 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Kudarika kwowakaipa kunoreva mumoyo mangu, kuchiti, Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.

2Nokuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.

3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.

4Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.

5Unyoro hwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;

6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.

7Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.

8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;

9Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.

10Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu; Nokururama kwenyu kuna vamoyo yakarurama.

11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.

12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.