Bhaibheri

Mapisarema 37

Psalms 37 · 40 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.

2Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.

3Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka.

4Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomoyo wako.

5Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.

6Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.

7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.

8Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.

9Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.

11Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.

12Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.

13Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.

14Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;

15Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.

16Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.

17Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.

19Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.

20Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.

21Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa.

22Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.

23Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.

24Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.

26Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.

27Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.

28Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.

29Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.

30Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.

31Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.

32Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.

33Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.

34Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.

35Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.

36Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.

37Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.

38Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.

39Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.

40Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.