Mapisarema 39
Psalms 39 · 13 verses
1Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.
2Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
3moyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
4Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.
5Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi.
6Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
7Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
8Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
9Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita.
10Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
11Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechivhundudzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
12Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
13Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.