Bhaibheri

Mapisarema 38

Psalms 38 · 22 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.

2Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.

3Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu.

4Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.

5Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu.

6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.

7Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu.

8Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomoyo wangu.

9Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.

10moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.

11Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.

12Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.

13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.

14Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.

15Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.

16Nokuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.

17Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.

18Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.

19Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.

20Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka.

21Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.

22Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.