Bhaibheri

Mapisarema 4

Psalms 4 · 8 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndipindurei kana ndichidana,Mwari wokururama kwangu;Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.

2Nhai vanakomana vavanhu kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo , nekutsvaka nhema kusvikira rinhi?

3Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu ,anomuda Jehovha uchanzwa kana ndichidana kwaari.

4Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii.

5Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha

6Vazhinji variko vanoti, Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.

7makaisa mufaro mumoyo mangu,Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa.

8ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.