Bhaibheri

Mapisarema 5

Psalms 5 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.

2teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.

4Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.

5Munhu anozvikudza,haangamiriri pamberi penyu;Munovenga vose vanoita zvakaipa.

6Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.

7Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.

8Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.

9Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo bwiro bwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo.

10Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.

11Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.

12Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.