Mapisarema 46
Psalms 46 · 11 verses
1Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.
2Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa;
3Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.
4Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzoWokumusorosoro.
5Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
6Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
7Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
8Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.
9Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
10Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.
11Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.