Mapisarema 53
Psalms 53 · 6 verses
1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
2Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
4Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.
5Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; Nokuti Mwari akaparadza mapfupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha.
6Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.