Mapisarema 56
Psalms 56 · 13 verses
1Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
2Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
3Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
4MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
5Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
6Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
7Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
8Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
9ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
11Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
12Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
13Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.