Bhaibheri

Mapisarema 57

Psalms 57 · 11 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1. Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.

2Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose.

3Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.

4Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.

5Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.

6Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.

7moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.

8Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.

9Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.

10Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.

11Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.