Mapisarema 59
Psalms 59 · 17 verses
1Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.
2Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa.
3Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha.
4Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone.
5Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa.
6Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta.
7Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, Ndianiko anganzwa?
8Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose.
9Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.
10Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.
11Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu.
12Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura.
13Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika.
14Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta.
15Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.
16Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
17Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.