Bhaibheri

Mapisarema 60

Psalms 60 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.

2Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka.

3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata.

4Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi.

5Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.

6Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.

7Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.

8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.

9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?

10Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.

11Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.

12Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.