Bhaibheri

Mapisarema 62

Psalms 62 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.

2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.

3Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?

4Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.

5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo Nokuti ndinomutarira iye.

6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.

7Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.

8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.

9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.

10Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.

11Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;

12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.