Mapisarema 63
Psalms 63 · 11 verses
1Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
2Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
3Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.
4Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
5Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo;
6Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.
7Nokuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
8Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
10Vachaiswa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava.
11Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; Nokuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.