Bhaibheri

Mapisarema 66

Psalms 66 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;

2Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.

3Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru hwesimba renyu.

4Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.

5Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.

6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.

7Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.

8Vongai Mwari, imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;

9Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.

10Nokuti imi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.

11Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.

12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.

13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,

14Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.

15Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuwira zvamakondohwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.

16Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.

17Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.

18Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;

19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.

20Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.