Mapisarema 65
Psalms 65 · 13 verses
1Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; Imi munofanira kuitirwa mhiko.
2Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
3Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
6Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
9Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
10Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
11Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
12Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.