Bhaibheri

Mapisarema 7

Psalms 7 · 17 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;

2Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.

3Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;

4Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;)

5Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.

6Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.

7Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.

8Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri.

9Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.

10nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.

11Mwari mutongi akarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unosvotwa zuva rimwe nerimwe.

12Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.

13Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anozviitira miseve inopisa.

14Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.

15Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.

16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.

17Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro soro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.