Bhaibheri

Mapisarema 6

Psalms 6 · 10 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.

2Ndinzwirei nyasha, Jehovha;nokuti ndaonda; Ndiponesei,Jehovha nokuti mapfupa angu anotambudzika.

3Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?

4Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.

5Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?

6Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.

7Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.

8Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.

9Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.

10Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.