Bhaibheri

Mapisarema 75

Psalms 75 · 10 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.

2Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.

3Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.

4Ndakati.kuna vanamanyawi , `Regai kuita namanyawi;' Nokuna vakaipa, `Regai kusimudza runyanga.'

5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.

6Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.

7Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.

8Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.

9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.

10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.