Bhaibheri

Mapisarema 76

Psalms 76 · 12 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mwari anozikanwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.

2PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.

3Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.

4Imi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.

5Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.

6Pakutuka kwenyu, Mwari waJakobho, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.

7Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?

8Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,

9Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.

10Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.

11Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;

12Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.