Bhaibheri

Mapisarema 98

Psalms 98 · 9 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.

2Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.

3Akarangarira ngoni dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.

4Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.

5Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.

6Nehwamanda, nenzwi romumanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.

7Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.

8Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;

9Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.