Bhaibheri

Mapisarema 99

Psalms 99 · 9 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.

2Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.

3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.

4Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho.

5Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.

6Mozisi naAroni pakati pavapirisiti vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.

7Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.

8Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.

9Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.