Bhaibheri

Mateu 12

Matthew 12 · 50 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar. 2. 123-28; Ruka 6. 1-15.) Nenguva iyo. Jesu wakafamba napakati peminda yezviyo nomusi wesabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara. vakatanga kutanha hura vachidya.

2VaFarisi vakati vachizviona;vakati, kwaari, tarira vadzidzi vako vanoita zvisina kutenderwa nomusi wesabata.

3Asi wakati kwavari, Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye.

4Kuti wakapinda mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza. Zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa naye navaiva naye asi navaPirisita bedzi!

5Ko hamuna kurava pamurairo kuti nesabata vaPirisita vanoputsa murairo wesabata mutembere vasinemhosva?

6Asi ndinoti kwamuri mukuru wetembere uri pano.

7Asi dai maiziva kuti zvinoti kudini kuti, ndinoda ngoni handidi chibayiro. Mungadai musina kutonga vasine-mhosva.

8Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabatavo. (Mar. 3. 1-6; Ruka 6.6-11.)

9Wakabvapo, akapinda musinagoge ravo.

10Zvino tarira kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti zvakatenderwa kuporesa nesabata here? Kuti vamupomere mhosva.

11Akati kwavari, ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nesabata ungarega kuribata akaribudisa here?

12Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.

13Zvino akati kumunhu, tambanudza ruvoko rwako! Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.

14Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.

15Jesu wakati achizviziva, akabvapo. Vanhu vazhinji vakamutevera. Akavaporesa vose.

16Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena.

17Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti,

18Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.

19Haangarwi, haangaiti mheremhere. Hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.

20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni. Nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga kuti kukunde.

21Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo. (Mar. 3. 20-30; Ruka 11. 14-23.)

22Zvino vakaisa kwaari munhu waiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu nembeveve yakataura nokuvonavo.

23Vanhu vazhinji vose vakashamiswa vakati, ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?

24Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati; munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.

25Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo akati kwavari, vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa. Neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.

26NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa. Vushe hwake hwuchamira seiko?

27Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani. Saka ivo vachava vatongi venyu.

28Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo vushe hwaMwari bwasvika kwamuri.

29Munhu ungapinda seiko paimba younesimba akatora nhumbi dzake kana asati ambosunga iye unesimba? Ipapo uchaparadza imba yake.

30Usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadza.

31Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vachakanganwirwa zvivi zvose nokumhura, asi kumhura Mweya mutsvene havangakanganwirwi.

32Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakanganwirwa. Asi unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakanganwirwi. Kana panguva ino kana kune inovuya.

33Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo. Kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo.

34Imi zvibereko zvenyoka mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo.

35Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yomoyo. Nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.

36Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarebwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.

37Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, vuye namashoko ako ucharashiwa. (Ruka 11. 16-29; 32 Ruka 11. 16, 29-32;)

38Zvino vamwe vanyori navaFarise vakapindura vakati, mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kwamuri.

39Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.

40Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.

41Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.

42Mambokadzi wezasi uchasimuka pakutonga norudzi urwu ucharupa mhosva. Nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni. Tarirai mukuru kunaSoromoni uri pano.

43Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo uchirishaiwa.

44Zvino unoti ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda. Asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yanatswa.

45Zvino unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuvura nokuipa ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira komunhu uyu kwakaipa kupfuvura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa. (Mar. 3. 31-35; Ruka 8. 19-21.)

46Wakati achataura navanhu vazhinji, tarira mai vake navanun’una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye.

47Mumwe akati kwaari, havo mai venyu navanununa venyu vamire kunze vachitsvaka kutaura nemi.

48Akapindura akati kuna iye wakamuvudza, mai vangu ndianiko navanunu’una vangu ndivananiko?

49Ndokutambanudza ruvoko rwake kuvadzidzi vake akati, Tarirai mai vangu navanunu’una vangu!

50Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi namai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.