Bhaibheri

Mateu 11

Matthew 11 · 30 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri akapfuvura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. (Ruka 7. 18-35.)

2Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, vaviri.

3Achiti kwaari, Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here kana tichakatarira mumwe?

4Jesu akapindura akati kwavari, endai mundovudza Johane zvamunonzwa nezvamunovona,

5Zvokuti mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.

6Wakaropafadzwa iye usingagumbuswi neni.

7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, makanga mabuda kunovoneiko kurenje? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?

8Ko makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguvo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.

9Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muporofita here? Hongu ndinoti kwamuri, unopfuvura kwazvo muporofita.

10Nokuti ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.

11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhabhatidzi, asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.

12Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino vushe hwokudenga hwunopambwa nevapambi vanobwutora nesimba.

13Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johane.

14Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria wakanga achinzi unovuya.

15Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

16Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare vanodanidzira kushamwari dzavo vachiti,

17Takakuridzirai nyere, mukasatamba, takakuririrai mukasachema.

18Nokuti Johane wakavuya asingadyi, asingamwi., zvino vanoti unomweya wakaipa.

19Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti, tarirai munhu unokara nomumwi neshamwari yavateresi navatadzi! Kuchenjera kunopembedzwa. (Ruka 10. 13-15.)

20Zvino wakatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka akati,

21unenhamo iwe Korazini! une nhamo iwe Betsaida! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu dai aiitwa muTire neSidoni vangadai vatendevuka kare vanamasaga nedota.

22Asi ndinoti kwamuri Tire neSidoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvuremi.

23Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma ringadai richipo nanhasi.

24Asi ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.

25Nenguva iyo Jesu akapindura akati, ndinokutendai Baba Ishe wokudenga napasi kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizarurira vacheche.

26Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.

27Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba. Hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.

28Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai.

29Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.

30Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.